Amai Amy Barrett Vanodomwa Kuve Mutongi Mudare reSupreme Court

Amy Coney Barrett

Mutungamiri we America, VaDonald Trump, vadoma Amai Amy Coney Barrett kuti vatore chinzvimbo chakasiyiwa mudare repamusoro, re Supreme Court, na Justice Ruth Ginsburg avo vakashaya svondo rapfuura.

Kana Amai Barrett vakavhoterwa nemaseneta, vachave jmutongi wechitatu mudare iri adomwa naVaTrump.

Parizvino, Amai Barrett vanoshanda munharaunda ye7th Circuit Court of Appeals uye vachidzidzisavo zvemitemo pachikoro chepamusoro che University of Noitre Dame.

Mitongo yakapiwa Amai Barrett mune dzimwe mhosva dzavakatonga inofadza vebato remaRepublican Party, zvikurusei nyaya dzakanangana nekusabviswa kwemimba nemadzimai akazvitakura.

Amai Barrett, avo vane vana vanomwe, ndeve chitendero cheCatholic uye vanonzi vari kudivi rerudyi munyaya dzezvematongerwo enyika.

Parizvino, dare repamusoro iri rine vatongi vechidzimai vaviri, Amai Elena Kagan na Amai Sonia Sotomayor.

Muzvinafundo Elliot Masocha, vanodzidzisa paDeVry University, vanoti zvimwe zvakakonzera kuti VaDonald Trump vadome Amai Barrett ndezveruzivo rwavo uye kuti vanofarirwa zvikuru nevatsigiri vebato reRepublican Party.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha