Zimbabwe Yopihwa Mibayiro yezveKushanya Asi Paine Mutauro

  • Thomas Chiripasi

Zimbabwean President Robert Mugabe holds a news conference after the swearing-in of ministers at the State House in Harare, Sept. 11, 2013.

Zimbabwe neChitatu yakapihwa mibayiro nesangano reEuropean Council on Tourism and Trade kana kuti ECTT yekuva nyika yakanaka yekushanyira mugore ra 2014 pamwe nekuva nyika ine zvetsika zvinodadisa.

Asi sangano rapa Zimbabwe mubayiro iri riri kukonzera mutauro sezvo sangano reEuropean Union rakatozivisa kuti harisi kutaura chokwadi parinomboudza vatori venhau kuti rinomiririra EU.

EU inoti haina hukama zvachose nesangano iri. Vachitaura pakupihwa kwaitwa mibayiro iyi ne ECTT, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vati Zimbabwe inyika ine runyararo kunyange hazvo vachiti dzimwe nyika dzakambozama kusvibisa zita renyika.

Mashoko aVaMugabe aya anotevera kusashanyirwa kuri kuitwa nyika nevamwe vekunze vanoti vari kutyira hupenyu hwavo sezvo vachiti zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika hazvina kumira zvakanaka.

Mutungamiri weECTT, Muzvinafundo John Caragea vati nyaya dzekushanyirwa kwenyika dzinogona kushandiswa kuunza runyararo munzvimbo dzakawanda.

Gurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika VaWalter Mzembi vati Zimbabwe inowanzo tsopropodzwa nenyika dzekumavirira pamusana pechirongwa chayakaita chekugovera vanhu ivhu patsva icho chinonzi chakabvisa varungu vazhinji pamwe nevashandi vavo mumapurazi.

Izvi zvinonzi nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi ndizvo zvakakonzera kuti hupfumi hwenyika huwire pasi.

Zvichakadai, VaMugabe vatiwo hurumende yavo ichaita zvose zvainokwanisa kuti Zimbabwe ive nyika inofarirwa nevashanyi pasi rose.

Vaenderera mberi vachiti mibayiro yapihwa nyika yauya pamusana pekuti Zimbabwe ine nzvimbo dzekushanyira dzakanaka uye dzakawanda.

Asi vachitaura neStudio 7, mumiriri weeu muZimbabwe VaAldo Dell' Arricia vakati zvinonyadzisa kuti sangano rapa Zimbabwe mubayiro iri rinombofamba richiti rinodyidzamna nemubatanidzwa wenyika dzemuEU.

Vanhu vekunze havachawuye munyika sezvaisimboita kare pamusana pekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika izvo zviri kukonzerawo kusamira zvakanaka kwehupfumi sezvo nyika yakambenge ichiwana mari yakawanda kubva mukushanyirwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi