Musangano weSanganai World Tourism Expo Wotanga neChina

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Victoria Falls

Sangano re Zimbabwe Tourism Authority rinoti zvinhu zvose zviri mugwara kuitira kuti musangano waro wepa gore weSanganai/Hlanganani World Tourism Expo, utange zvine mutsindo.

Musangano uyu uchatanga muHarare neChina. Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko musangano iri, Va Sugar Chagonda, vanoti pari zvino vari kutarisira nhumwa dzinobva kunyika dzakati wandeyi.

Pari zvino dzimwe nhumwa dzatotanga kusvika munyika uye nyika dziri kutarisirwa kuti dzinge dziri pamusangano uyu dzinosanganisirawo Netherlands, United Arab Emirates, China, France, Italy, South Africa, Namibia, Botswana nedzimwe.

VaChagonda vanoti musangano wegore rino uchange uri pasi pedingindira rekuti “Africa Premier Business Exchange”.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Sugar Chagonda