Toni Braxton na"BabyFace" Edmonds Pfacha muHarare!

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Singer and TV personality Toni Braxton, Nov. 1, 2012.

Vaimbi vane mukurumbira vekuAmerica, Toni Braxton na Kenny “Babyface” Edmonds, vakasvika muZimbabwe neMuvhuro kuti vazoimba neChishanu muHarare.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mu National Arts Council of Zimbabwe, Amai Catherine Mutombeni, vanoti mitambo yakadayi yakanakira nyika sezvo ichiita kuti vanoita zvekuimba vekunze kwenyika nevemunyika vadyidzane.

Vari kuronga mutambo uyu, Muzvare Bernie Bismark, ve BD Promotions, vanoti vari kutarisira kuti veruzhinji vachaenda kumutambo uchaitwa kuBorrowdale Race Course neChishanu manheru.

Matiketi ekupinda mudhidhindi iri ari kutangira pamadhora makumi mana kusvika pazana nemakumi mashanu emadhora.

Vari kuwona nezvemutambo uyu munyika, Muzvare Bernie Bismark, vanoti vari kufadzwa negadziriro yavaita pari zvino uye vane tarisiro yekuti vanhu vachatsigira mutambo uyu.

Amai Mutombeni vanoti vari kurudzira veruzhinji kuti vaenda kunotsigira mutambo uyu kuitira kuti nyika ikwanise kuzokwezvazve vamwe vaimbi vane mukurumbira munguva inotevera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Catherine Mutombeni