VaTomana Voramba Nyaya Dzaburitswa neChronicle neHerald

  • Jonga Kandemiiri

VaJohannes Tomana

Muchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, vanoti vanoshamisika uye kukatyamadzwa nemashoko avanonzi vakataura pamusoro pekuti vanasikana vane makore gumi nemaviri vanogona kuroorwa kana kuita zvepabonde kana vachinge vawirirana nevavanenge vachiyanana navo.

VaTomana vanoti ivo segweta guru rehurumende, varipo kutsigira mitemo yenyika, kwete kuipikisa sezviri kutaurwa nemapepanhau reChronicle neHerald.

Mapepanhau aya aburitsa mashoko ekuti VaTomana vakaita navo hurukuro vachitsigira kuroorwa kwevanasikana vasati vabva zera ava kana vachinge vazvipira voga kuenda pabonde.

Vanonziwo vari kutsigira matare edzimhosva anonzi ari kuramba kutonga vanhurume vanenge vachipomerwa mhosva yekutevera vanasikana vasati vabva zera vanenge varatidza humbowo hwekuti vakawirirana kuita zvepabonde.

Masangano akawanda anorwira kodzero dzemadzimai nevanasikana abatira VaTomana makano pamusoro pemashoko avanonzi vakataura aya.

Rimwe remasangano aya, Roots Community Organisation, rinoti rine hurongwa hwekuratidzira neChipiri svondo rinouya richikurudzira kuti VaTomana vaturure mashoko avo aya kana vakaataura.

Asi VaTomana vanoti mashoko aya ndeemanyepo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJohannes Tomana

Asi mukuru wesangano re Roots Community Organisation, Muzvare Beatrice Savadye, vanoti havasi kuzodzokera shure nehurongwa hwekuratidzira neChipiri svondo rinouya kana mapepanhau akaburitsa nyaya iyi asina kuburitsa zvakare mashoko avo aVaTomana vachiramba kuti havana kuzvitaura.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Beatrice Savadye