Varairidzi Vanocherechedza Zuva reWorld Teachers Day Vachiti Zvinhu Hazvina Kumira Zvakanaka muZimbabwe

Teachers Zimbabwe

Vararidzi munyika vanoti vacherechedza zuva reWorld Teachers’ Day vachinyunyuta pamusoro pemaitiro ehurumende ekuita zano ndega izvo vanoti zviri kuita kuti dzidzo yemunyika irambe ichiwondomoka.

Mutungamiri werimwe remasangano anomirira varairidzi reEducators Union of Zimbabwe, Muzvare Tafadzwa Munodawafa, vati zuva rekucherechedza kukosha kwevarairidzi pasi rose riri kuuya panguva iyo varairidzi munyika vari pakati pekutsutsumwa kukuru.

Vati varairidzi havachina chiremera nekuda kwekusabatwa zvakanaka kwavanoti vari kuitwa nehurumende.

Muzvare Munodawafa vati varairidzi pamwe nevana vechikoro vakatarisana nenjodzi huru nekuti muzvikoro hamuna zvikwanisiro zvakakwana zvekuvadzivirira kuchirwere cheCovid-19.

Vatiwo varairidzi vari kushushikanawo nedanho rehurumende rekumanikidza vashandi vayo kuti vabayiwe nhomba pasina kupiwa ruzivo rwakakwana pamusoro penyaya iyi.

Mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti dingindira reWorld Teachers Day regore rino, iro rinoti “Teachers at the heart of education recovery” rinoratidza kukosha kwakaita varairidzi munyaya yedzidzo.

Asi vati muZimbabwe varairidzi havazi kukosheswa, vachiti hurumende inongoita zano ndega panyaya dzinobata varairidzi munyika.

Mutunganiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vatsinhirawo kushushikana kwevadzidzisi munyika vachiti dzidzo yemunyika icharamba ichiwondomoka kana hurumende ikasagadzirisa zvinhu nekukasika.

Hatina kukwanisa kunzwa kugurukota rezvevashandi pamwe nekugara zvakanaka kwevanhu, VaPaul Mavhima, sezvo vange vasingabatike panharembozha yavo.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vange vasati vapindura mibvunzo yatavatumira pamusoro pezvichemo zvevarairidzi.

Zuva reWorld Teachers’ Day rinocherechedzwa pasi rose musi wa5 Gumiguru gore rega rega uye rakatanga kucherechedzwa mugore ra1994 mushure mekusainwa kwegwaro reRecommendation Concerning the Status of Teachers nesangano reUnited Nations Educational, Scientific and Cultural Organisation, neInternational Labour Organisation, mugore ra1966.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Kudzanai Musengi