WASHINGTON —
Apo pasi rose rabatana neMuvhuro kucherechedza zuva reWorld Tuberculosis Day, bazi rinoona nezvehutano rinoti hurumende ichacherechedza zuva iri nemusi weChina.
Pasi rose riri kurangarira zuva iri pasi pe dingindira inoti Reach the 3 million mukuyedza kurwisa chirwere ichi.
Sangano re World Health Organisation rinoti chirwere ichi chakauraya vanhu vanosvika 1.3 million pasi rose uye chikabata vanhu vanosvika 8.6 million mugore ra 2012.
Sangano re Doctor For Human Rights rinotsinhira mashoko aDr Mugurungi richiti veruzhinji vanofaminirwa kuenda kunovhenekwa sezvo chirwere che TB chichirapika uye mishonga ichiwanikwa pachena muzvipatara zvehurumende.
Mutungungamiri we sangano iri, Dr Rutendo Bonde, vanoti pari zvino kunyange hazvo pachiri nedzimwe mhando dzechirwere che TB dzisisarapike nemishonga iri kuwanikwa mazuva ano veruzhinji vanofanirwa kuenda vachinowonekwa kuti vane mhando ipi yechirwere ichi.
Dr Mugurungu na Dr Bonde vese vanoti veruzhinji vanenge vaona vachiramba vachikosora kwenguva inodarika masvondo matatu vachishaya simba nekudikitira vakarara, vanofanirwa kuenda kunovhenhekwa sezvo idzi dzingangove mviromviro dzechirwere cheTB.