Chicken Inn Yoramba Iri paNhongonya yeCastle Premier Soccer League

Dynamos vs Highalnders

Makwikwi eCastle Premier Soccer League atsvuka ropa kwasara mitambo mipfumbamwe chete.

Chicken Inn, Dynamos ne FC Platinum ndidzo dziri panhongonya asi kune zvimwe zvikwata zviri kumucheto zvorwa semvumba kuti zvisanyure zvichienda kudivision one.

Mushure memitambo makumi maviri nemumwechete uyezve kwasara mitambo mipfumbamwe,

Chikwata cheChicken Inn charamba chiripamusoro soro pecastle Premier Soccer League mushure mekurova Highlanders 3-2. Kukundwa uku hakuna kufadza vatsigiri vebosso avo vaiimba nekunyomba murairidzi wavo Bongani Mafu apo pakapera mutambo uyu.

Asi vatsigiri veChicken Inn vakapemberera zvikuru mushure mekunge Mitchell Katsvairo arova mambure apo muridzi wepembe ainge ave pedyo nekuridza kuti mutambo wapera.

Chibodzwa ichi chakasangana nemberero huru mushure mekunge magame Cocks anzwa kuti Dynamos yakundawao zvekare. Chikwata che FC Platinum chave pachinhanho chechitatu mapoinzi mashanu pasi pechikwata chirikutungamira chChicken Inn.

Izvi zvinotevera kuenda kwavakaita nekunokunda chikwata chetriangle kuGibbo Stadium neSvondo izvo zvasiya zvekare vari poindi imwechete pasi pechikwata cheDynamos icho chiri pachinhanho chechipiri.

Chikwata chaVaNorman Mapeza cheFC Platinum chikakunda Chicken Inn neDynamos mumutambo yavo uyezve Dynamos neChicken Inn dzikaita mangange, mamoney Bags anoenda pamusoro pemakundao aya.

Mutambi wavo anemukurumbira Brian Muzondiwa anoti chinangwa chavo ndechekutora mukombe wakakosha uyu. Asi vanotevera Dynamos vanoti mukombe ndewavo.

VaModercai Mapondera vanoti varikufara zvikuru nekukunda kwavakaita How Mine 1-0 neSvondo kuRufaro Stadium. VaMapondera vanoti hapana chimwe chavarikutarisira kunze kwekutora mukombe wepremier Soccer League.

Mimwe mitambo yakapera seizvi

Chapungu 2 Caps United 1

Hwange 1 Harare City 0

ZPC Kariba 2 Hwahwa 1

Buffaloes 2 Flame Lilly 0

Dongo 2 Tsholotsho 0

Kwapera mitambo makuma miviri nemumwechete, zvikwata zvina zviri pamusoro ndeizvi.

Chicken Inn 43 points

Dynamos 39 points.

FC Platinum 38 points

Triangle 36 points,

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi

Flame Lilly 18

Tsholotsho 18

Whawha 18

Dongo 17

Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League ichambomiswa svondo rino ichipa mukana kumutambo we2017 Africa Cup of Nations pakati peZimbabwe neGuinea. Mashoko atirikunzwa arikuti mutambo uyu wavekutambirwa kuRufaro Stadium kwete kuNational Sports Stadium.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Mchael Kariati