America Inorangarira neKukudza Magamba Akafira Nyika

Mutungairi weAmerica, VaJoe Biden, vachitaura pazuva rekurangarira magamba nemusi weMuvhuro.

Nemusi weMuvhuro kupera kwaChivabvu gore roga roga muAmerica izuva rekurangarira nekukudza magamba akafira nyika kana kuti Memorial Day.

Kubva muna 1868, America inorangarira vakafa muhondo mukupera kwaKubvumbi musi weMuvhuro gore roga roga. Asi kubva mugore ra 1971, zuva iri rakatarwa sezuva rekuzorora kuchirangarirwa vechiuto vakafira nyika.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vaisa maruva ekurangarira magamba aya pamarinda eArlington National Cemetery muVirginia.

VaBiden vati vanhu vemuAmerica vanokwanisa kupa rukudzo kune mauto akashaya aya nekusimbaradza nyaya yehutongo hwejekerere munyika mavo nepasi rose. Vanoti vanhu vane chikwereti chisingakwanise kudzorerwa kune mauto akashaya aya.

Vamwe vange vari pachiitiko ichi igurukota rezvekudzivirirwa kwenyika VaLloyd Austin uye mukuru wemauto General Mark Miley.

Chizvarwa che Zimbabwe chinogara mudunhu reNorth Dakota, VaTawanda Dzvokora, vanoti chakasiyana mukucherechedzwa kwezuva iri ndechekuti muAmerica, vanhu vose, pamwe chete nehurumende nemapato ezve matongerwo vanobatana kuremekedza mauto anofa achirwira zvido zveAmerica.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTawanda Dzvokora