Chirongwa cheZimbabwe Special Permits Chotanga muSouth Africa

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

.

Chirongwa cheZimbabwe Special Permit chekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinyorese kuti zvipihwe magwaro chatanga neChitatu mu South Africa.

Vanhu vari kunzi vanyorere vachishandisa indaneti, vozodaidzwa kunobvunzurudzwa kana magwaro avo atambirwa.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Migrants Association, VaDaniel Muzenda, vanoti chirongwa chatanga paine zvipingaidzo.

VaMuzenda vanoti dambudziko guru range riri rekuti ma computer munzvimbo dzakawanda anga asingashande zvakanaka uye kunyange vanhu vafumobata jongwe muromo, vazhinji vavo vange vasingazive nzvimbo dzekuenda kunogadzirisa magwaro avo.

Vamwewo vanhu vanonzi vange vasina ruzivo rwekushandisa ma computer zvanga zvichiita kuti vazhinji vadzokere kudzimba vasina kubatsirwa.

Nhare dzange dzakanyorwa kuti dzingashandiswe pakutsvaga rubatsiro panyaya dzekunyora mapepa aya zvakanaka dzange dzisingadavirwe.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika mazana maviri nemakumi mashanu ezviuru vakapihwa mapepa ekushanda nuSouth Africa muna 2010, uye magwaro aya anopera muna Avita.

Asi nguva iyi yakazowedzerwa kusvika muna 2017. Asi vanhu vanonzi vanofanirwa kunyoresa kuitira kuti magwaro avo atambirwe.