Mimwe Mitambo Yoitwa Munharaunda Dzisina Vanhu Nekuda kweCoronavirus

American Basketball

Mitambo yakasiyanasiyana mu America yatanga kutambwa mushure mekumbomiswa nepamusoro peCoronavirus.

Mitambo, yakaita sebaseball, mijaho yemotikari, basketball neimwe yave kutambwa semazuva ose asi munharaunda dzinotambirwa mitambo iyi musina vanhu nepamusoro peCoronavirus.

Sezvo coronavirus iri kupararira zvine mutsindo mu America, hazvizikanwi kuti mitambo iyi icharamba ichitambwa kwenguva yakadini.

Vanofarira zvemitambo, VaTafadzwa Munjanja, vanoti kunyange hazvo mitambo iyi ichitambwa pasina vanhu vanenge vari munzvimbo dzinotambirwa mitambo iyi, pane mutsauko mushoma kana munhu achitarisa mitambo yakaita se baseball kana basketball patelevision sezvo matambiro achingori mamwe chete.

Vanoti mari yekutambirisa vatambi haibvi muvanhu vanenge vachibhadhara kuona mitambo asi kumabhizimisi anenge achizvishambadza.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Munjanja