Triangle yasvetuka Chicken Inn kuenda pamusoro soro pemakundano eCastle Lager Premier Soccer League mushure mekukunda ZPC Kariba 2-1 mumutambo wakatambirwa kuNyamhunga Stadium mukupera kwesvondo.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Michael Kariati
Vakomana veSugar vave nemapoinzi makumi matatu nemaviri, poindi imwe chete pamusoro peChicken Inn iyo yakaita mangange 1-1 nechikwata chiri pasi pasi cheDongo Sawmills.
Mutsigiri wemaSugar Sugar Boys, Muzvare Margaret Chawira, vanoti pamberi nemaSugar Sugar Boys vachiti vari kutarisira kutora mukombe gore rino.
Mutambo uri kutaurwa nezvawo ndeuyo wakaita mangange 1-1 pakati peHighlanders neDynamos uyo waishevedzwa kunzi Battle for Zimbabwe Part 2.
Sezvakangoitika pamutambo wekutanga apo Highlanders yakachema mushure mekurambirwa chibodzwa, iko zvino iDynamos iri kuchemawo mushure mekunge chibodzwa chakabva kuna Takesure Chinyama charambwa nemuridzi wepembe.
Zvakamira zvakadai, mumwe mutsigiri weDynamos, VaMunashe Zita, vanoti Dembare ndizvo.
Izvi zvave kureva kuti Highlanders yatadza kukunda Dynamos mumitambo gumi nemisere kubvira muna 2006. Dynamos yakunda Highlanders mumitambo gumi, mimwe misère ikapera iri mangange.
Caps United, iyo yakabuditsa mari zhinji kutenga vatambi vatsva, haina kufadza muridzi wemari yacho, VaFarai Jere, apo yakakundwa 1-0 neHarare City pamusha muNational Sports Stadium.
Murairidzi wechikwata ichi, Mark Mathe, ari kuchema nekutadza kuri kuitwa mikana nevatambi vake achiti iye vanofanira kugadzirisa izvi kuti varwire mukombe.
Kunyange vakakunda Makepekepe, murairidzi weHarare City, Taurayi Mangwiro, anoti vachiri kure nekurwira mukombe weLigi.
How Mine, iyo iri pachinhanho chechitatu pamusoro peDynamos, yakarohwa
2-0 neHwange kuColliery.
Mimwe mitambo yakapera seizvi:
Buffaloes 0 FC Platinum 3
Chapungu 1 Hwahwa 1
Flame Lilly 1 Tsholotsho Pirates 1
Zvakamira zvakadai zvikwata zvina zviri pamusoro ndeizvi:
Triangle 32 points
Chicken Inn 31 points
How Mine 29 points
Dynamos 29 points
Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi:
Tsholotsho Pirates 16 points
Buffaloes 16 points
Flame Lilly 14 points
Dongo 12 points.