Vanotengesa Mumigwagwa Vanoti Havasi Kuzobva Mumigwagwa

  • Jonga Kandemiiri

Vanotengesa mumigwagwa muHarare vanoti havasi kuzobva munzvimbo dzavanotengesera kunyange hazvo nguva yakatarwa nehurumende yekuti vange vabva iri kupera pakati pehusiku.

Vanhu ava vanoti nzvimbo dzakatarwa nekanzuru hadzisi kuvakwanira vese. Vari kutiwo dzimwe dzacho dziri kunze kweguta uko vanoti kure nevanovatengera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSamuel Wadzayi

Kanzuru yeHarare inonziwo iri kukurudzira vanhu kuti vange vachinyoresa kuti vakwanise kupiwa nzvimbo dzekutengesera zviri pamutemo.

Studio7 yakundikana kubata meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, kuti tinzwe danho richatorwa nekanzuru yavo.

Asi kanzuru yeHarare yakazivisa kuti ichashandisa mapurisa ayo pamwe neve Zimbabwe Republic Police mukubvisa vanhu ava.

Mukuru werimwe sangano revanotengesera mumigwagwa, re National Vendors Union Zimbabwe, VaSamuel Wadzayi, vanoti kunyange kanzuru ikashandisa chisimba sezvavakavimbiswa, vachafira pamabasa pavo, sezvo vari kurarama nekutengesa.