Misoro Yenhau Dzanhasi Chishanu, Zvita 11, 2015

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Ini ndini Marvellous Mhlanga-Nyahuye ndichiti heinoi misoro yenhau dzanhasi…. Chishanu, Zvita 11, 2015

Mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vanovhura zviri pamutemo musangano webato ravo wepagore mubato iri muine kurwisana kusati kwamboitika kubva nyika yawana kuzvitonga muna 1980….

Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoudza dunhu reHarare kuti riumbe komiti inoferefeta huori hunonzi huri kupomerwa makanzura emuguta reHarare….

Highlanders neChicken Inn dzokweshana mumakwikwi ekupedzisira emukomba weEasyCall neSvondo kuBarbourfield…

Muchirongwa cheLiveTalk tiri kutarisa zviri kuitika muZanu PF panguva iyo bato iri riri kuita musangano waro wepagore kuVictoria Falls.

Iyi ndiyo misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 13860, ne 15460 Kilohertzs pa Shortwave kana paFacebook page yedu yevoa Shona.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro Yenhau Dzanhasi…. Chishanu, Zvita 11, 2015