VaMunyeza: Zimbabwe Ichine Basa Kuti Ikwezve Vashanyi Vakawanda

  • Blessing Zulu

Zimbabwe Tourism Authority

Vaimbova mukuru weAfrican Sun Limited, Doctor Shingi Munyeza, avo vakasiya basa mushure memakore gumi nematatu, vanoti Zimbabwe inofanirwa kushanda zvakasimba munyaya dzekushanyirwa kwenyika kuitira kuti ikwanise kuwana chouviri.

VaMunyeza vanoti nyika inofanira kuuchika mari muzvivakwa, migwagwa nemagetsi kuitira kuti vashanyi vauye muZimbabwe.

Gwaro rakaburitswa neZimbabwe Tourism Authority, ZTA, rinoti gore rapera huwandu hwevashanyi munyika hwakawedzera nezvikamu zviviri nezviga zvitanhatu kubva muzana, vazhinji vacho vari vanhu vaibva muAfrica, Europe neAmerica.

Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaWalter Mzembi, vanogara vari mubishi kushanyira nyika dzakasiyana siyana vachiyedza kukwezva vashanyi.

Asi zvichienzaniswa nedzimwe nyika muAfrica, Zimbabwe iri pasi sezvo munyika dzakawanda huwandu hwakakwira nezvikamu zvitatu nezviga zvitatu kubva muzana.

Chimwe chiri kunetsa inyaya yekuti vashanyi vari kuuya munyika havasi vaye vari kubhadhara mari dzakawanda kana kugara kwenguva yakareba munyika.

Izvi zviri kupa kuti mari dziri kupinda munyika kubva mukushanyirwa dziderere.

VaMunyeza ndimuzvinabhizimisi anova muridzi wemakambani akaita seMug and Bean, Ocean Basket uye ndivo vanomirira News Café muZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaShingi Munyeza