Misoro Yenhau Dzanhasi…Muvhuro, Kukadzi, 08, 2016

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Sangano reWorld Food Programme rinoti mashoko avamugabe ekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika anoreva kuti sangano ravo rave kusimbaradzawo kubatsira Zimbabwe.

Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo muMDC inotungamirwa navaWelshman Ncube VaMzila Ndlovu vachibviswa pachigaro chavainge vakafanobata chekuva munyori mukuru.

Kukandirana makobvu nematete koenderera mberi mubato reZanu-PF pakati pevanozviti Generation 40 nevanoti vanotsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

European Union (EU) yobatsira Zimbabwe nemari yekubatsira madzimai anenge akazvitakura.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na 8.30 pm tiri kutarisa nezvekunetsana muZanu-PF uko vanhu vasina chikafu munyika nemabasa.

Iyi ndiyo mimwe misoro yenhau dzedu dzanhasi...munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 12080, ne 15460 kilohertzs pa shortwave kana paFacebook page yedu yeVOA Shona.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro Yenhau Dzanhasi Muvhuro Kukadzi 8. 2016