Mapurisa Anokomekedzwa Kutsvaga VaDzamara Zvakasimbisisa

  • Thomas Chiripasi

Musul, Iroq - terroristlarga qarshi kurashayotgan zobitlar

Mutongi wedare repamusoro re High Court, Va David Mangota, vatura neChishanu mutongo wekuti mapurisa ashande nesimba kutsvaga mutungamiri wesangano re Occupy Africa Unity Square, Va Itai Dzamara, avo vanonzi vakapambwa neMuvhuro mumusha we Glen View muno muHarare.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi

Rimwe remagweta ari kumirira Va Dzamara muchikumbiro chakasvitswa kudare iri naAmai Sheffra Dzamara, vanove mudzimai waVa Dzamara, Va Charles Kwaramba, vati hurumende yasungirwa kuti ishambadzire zvakasimba kushayikwa kwaVa Dzamara.

Asi Va Kwaramba vati dare raramba kuti mahofisi evasori pamwe nekumasoja kusechwe sezvanga zvakumbirwa nemudzimai waVa Dzamara.

Izvi zvinotevera mashoko ataurwa na Muzvare Fortune Chimbaru vanove gweta ranga rakamirira gurukota rinowona nezvinoitika mukati menyika, Va Kembo Mohadi, mukuru wemapurisa, Va Augustine Chihuri, pamwe nemukuru wevasori, Va Happyton Bonyongwe, ekuti hurumende haizivi kuti Va Dzamara vakaiswa kupi nevakavapamba avo vasati vave kuzivikanwa.

Mapepa ari kumapurisa pamwe nekudare anoti Va Dzamara vakapambwa nevarume vashanu vaifamba nemotokari chena yemhando yeIsuzu.

Va Mangota vakurudzirawo hurumende yakamirirwa nemapurisa kuti idzoke kudare repamusoro mushure memasvondo maviri ega-ega kuti izoudza dare painenge yasvika nekutsvaga Va Dzamara.

Mutungamiri we MDCT, Va Morgan Tsvangirai, vakapomera hurumende yaVa Mugabe pamwe nebato ravo reZanu PF mhosva yekupamba Va Dzamara.

Asi mutauriri we Zanu PF, Va Simon Khaya Moyo, vanoti bato ravo harina charinoziva nekupambwa kwaVa Dzamara.

Mukuru wemapurisa, Va Augustine Chihuri, nezuro vakakurudzirawo mapurisa kuti ashande nesimba mukutsvaga Va Dzamara uye mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vakatiwo vakapamba Va Dzamara vacharangwa zvakawomarara kana vakabatwa.

Va Dzamara nesangano ravo reOccupy Africa Unity Square vari kukurudzira kuti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vasiye basa vachivapomera mhosva yekutadza kutonga nyika mujekerere uye kuwisira hupfumi hwenyika pasi.

Kupambwa kwaVaDzamara kwakonzera mutauro munyika kubva kumasangano akazvimirira pamwe nenyika dzekunze idzo dziri kuti kodzero dzaVa Dzamara dzinofanirwa kuchengetedzwa.

VaDzamara mutori wenhau akambosiya basa rake achiti anoda kurwira kodzero dzevanhu kudzamara VaMugabe vasiya basa.