Kanzuru yeguta reGweru yamanikidzwa nehurumende, kuburikidza negurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, kusakwidza mitero sezvo bhajeti rayo risati ratambirwa nebazi rezvematunhu.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Taurai Shava
Kanzuru iyi, iyo yaive yakwidza mitero kubvira pakupera kwemwedzi waNdira, yarambidzwa kuita izvi nebazi rezvematunhu sezvo bazi iri risati rapasisa hurongwa hwekanzuru iyi hwekushandisa mari gore ra2015.
Muhurongwa hwayo hwekushandisa mari hwegore rino, kanzuru yaida kukwidza mitero yakasiyana-siyana nezvikamu makumi matatu nezvishanu kubva muzana.
Asi sachigaro wekomiti inoona nezvemari mukanzuru yeGweru, VaAlbert Chirau, vanoti vebazi rezvematunhu vakati kanzuru inofanirwa kugadzirisa zvinhu zvakasiyana-siyana, kusanganisira nyaya yekuti vakuru vakuru vekanzuru vapiwe mari yemihoro inoenderana neyakatarwa nehurumende, uye kuti mari inoshandiswa kubhadhara vashandi vekanzuru isapfuure zvikamu makumi matatu kubva muzana zvemari inowanikwa nekanzuru kubva kumitero.
VaChirau vanoti kanzuru iri kugadzirisa zvakanzi zvigadziriswe izvi nevebazi rezvematunhu, uye vanotarisira kuti bhajeti rekanzuru richapasiswa munguva pfupi inotevera.
Pakupera kwemwedzi waNdira nepakutanga kwaKukadzi vamwe vagari vemuGweru vakaratidzira vachitsutsumwa pamusoro pehurongwa hwekanzuru hwekuda kukwidza mitero, uyewo nyaya yekuti kanzuru iri kuendesa kumagweta vagari vari kukundikana kubhadhara zvikwereti zvemitero zvavainazvo kukanzuru.
VaChirau vanoti pave nehurongwa hutsva hwekuti kanzuru haichaendesi vagari vane zvikwereti kumagweta pasina kutaurirana.
Vanoti kanzuru yakatora danho rekuti kwemwedzi mitanhatu inotevera magweta ekanzuru haafanirwe kubata kana kutengesa midziyo yevagari vari kubhadhara zvikwereti zvavo kumagweta aya, uye kuti munguva imwe cheteyo, avo vanobhadhara mitero yavo nenguva vasina zvikwereti, vachabvisirwa zvikamu makumi matatu kubva muzana zvemari yavanobhadhara.
VaCornelia Selipiwe ndivo sachigaro weGweru Residents and Ratepayers Association rinove sangano rine dzimwe nhengo dzakaratidzira nguva pfupi yapfuura.
Va Selipiwe vanoti vanotambira nemufaro mukuru danho rekudzorera mitero payaive isati yakwidzwa pakupera kwaNdira.
Vanoti tarisiro yavo ndeye kuti bazi rezvematunhu richapa pfungwa yekuti kanzuru yeGweru isakwidza mitero zvachose sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzemari
Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti kanzura nevagari vanofanirwa kugara pasi votaurirana kuitira vagari vaziviwo kuti zvavanoda kuitirwa nekanzuru zvinoda mari inobva muvagari.
Nyanzvi idzi dzinotiwo kanzuru inofanirwawo kuisa zvido zvevagari pamberi, uye kutambirisa vashandi vayo mari dzinoenderana nemari inowanwa nekanzuru kubva kumitero.