Gwaro iri raparurwa nesangano reZimbabwe Union of Journalists, ZUJ, pamwe nesangano reFederation of African Media Women of Zimbabwe.
Kunyange hazvo gwaro iri risingadome huwandu hwevanhukadzi vanoti vakashungurudzwa kana kumanikidzwa kuita zvepabode senzira yekuti vawane basa, kana kuchengetedza basa ravo, gwaro iri rinoti vatori venhau vechikadzi vari kutarisana nedambudziko rekushungurudzwa uku.
Gwaro iri rinotiwo pachine vanhu vashoma vanonzwisisa zvinoreva kushungurudzwa kwevanhukadzi mumabasa, kana kuti sexual harassment, izvo zvinoita kuti dambudziko iri rirambe richienderera mberi.
Vachitaura pakuparurwa kwegwaro iri, nhengo yebhodhi re Federation of African Media Women of Zimbabwe, Amai Virginia Muwaningwa, vati zvakakosha kuti dambudziko iri rigadziriswe.
Munyori mukuru weZUJ, VaFoster Dongozi, vanoti sangano ravo richange richishanda zvakasimba pamwe ne Federation of Media Women of Zimbabwe mukagadzirisa kushungurudzwa uku.
Vachitaurawo vakamirira sangano reZimbabwe National Editor’s Forum, uye vari mupepeti weAlpha Media Holdings, VaBrian Mangwende, vati mabatirwo anoitwa vanhukadzi mumabasa ekutora nhau, anoshoresa zvikuru. Vatiwo sangano ravo rakazvipira kushanda nemasangano eZUJ pamwe neFederation of African Media Women of Zimbabwe mukugadzirisa dambudziko iri.