Sarudzo Dzonamatirwa Kuti Dziitwe Pasina Mhirizhonga

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Vanhu vemuZimbabwe vari America vanoti kunyange vasiri kuvhota musarudzo, vachange vachinamatira nyika kuitira kuti ive nerunyararo pachaitwa sarudzo.

Vanomirira sangano re Women of Dominion, Pastor Marvellous Ndlovu, vanoti vanhu vemu Indianapolis vanobva kumakereke akasiyana siyana vachasangana neSvondo vachinamatira nyika.

Munamato uyu uchange uri pasi pedingindira rinonzi “Rebuilding the Nation of Zimbabwe With Prayer,’’ munamato uyu wakarongwa nemakereke ezvizvarwa zveZimbabwe zviri mudunhu reIndiana.

Dare reConstitutional Court rakatura mutongo uborambidza zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti zvivhote. Izvi zvinotevera kukwidzwa kwakaitwa chikumbiro chekuti vari kunze kwenyika vapihwe kodzero dzekuvhotavhota naVa Tavengwa Bukaibenyu, avo vanogara kuSouth Africa.

Pastor Ndlovu vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kwakasiyana siyana zvinofanirwa kubatana navo neSvondo zviri kwazviri ikoko, vachinamatira nyika kuti iite sarudzo murunyararo.

Pastor Ndlovu vanoti zvinoshungurudza kuti vamwe vanhu vakarasikirwa nehupenyu mumhirizhonga yezvematongerwo enyika yakaitika muna 2008.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naPastor Marvellous Ndlovu