Makwikwi eMutambo weRugby Otsviriridza Mukupera kweSvondo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye
Zvikwata zvisere zvemunyika zvinomirira Harare ne Bulawayo zviri kutarisirwa kukweshana pamakwikwi eSpar Summer Series achatambirwa kuHarare Sports Club nemusi weMugovera neSvondo.

Sachigaro vechikwata che Sevens Rugby, Va Donald Mangenje, vanoti zvikwata zviri kutamba mukupera kwesvondo rino ndizvo zvakakunda zvimwe zvikwata pamakwikwi akatanga Svondo rapera, ayo akaitirwa muHarare nekuBulawayo.

VaMangenje vanoti zvikwata zvichakunda pamakwikwi eSvondo rino, zvichatamba zvakare Svondo rinouya kuitira kuti pazobuda nyanzvi yemutambo uyu.

VaMangenje vanoti vari kufara nerutsigiro rwavari kuwana kubva kukambani ye Spar, iyo iri kuita kuti mitambo yavo ibudirire.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Donald Mangenje