WASHINGTON —
Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rabatana nemamwe masangano ari kumusangano weUnited Nations Human Rights Council uri kuzeya nyaya dzekodzero dzevanhu pasi rose kuGeneva, Switzerland.
Musangano uyu wakatanga musi wa 4 Kurume uye uri kutarisirwa kupera musi wa 28 Kurume.
Munyori mukuru weUnited Nations, VaBan Ki Moon, nemutungamiri weHuman Rights Commission, Amai Navi Pillay, ndivo vakavhura musangano uyu zviri pamutemo.
Sangano re United Nations Population Fund rinoti vanasikana vanosvika zvikamu makumi matatu nechimwe kubva muzana vari kuroorwa vasati vasvika makore gumi nemasere sezvinodiwa nemutemo muZimbabwe.
Zimbabwe inoti madzimai, vakwegura nevasati vabva zera havatongerwe rufu. Asi United Nations inoti hapana munhu anofanira kutongerwa rufu.
Vari kumusangano uyu vachimirira masangano akazvimirira oga munyika mukuru we Zimbabwe Lawyers for Human Rights, Muzvare Irene Petras, pamwe namaneja musangano iri, Muzvare Rose Hanzi.