Masangano Akazvimirira Odaidzwa Kumusangano neChishanu neHurumende

  • Blessing Zulu
Gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo, VaKudakwashe Bhasikiti veZanu-PF, vanonzi vadaidzira musangano wekuita nemasangano akazvimirira oga mudunhu iri musi weChishanu.

Masangano anosvika makumi mashanu ari pasi pe National Association of Non Governmental Organizations, NANGO, anonzi anenge ari pamusangano uyu.

Izvi zvinonzi zvava kupa kuti vamwe vatyire kuti kunetsana pakati pehurumende nemasangano akazvimirira oga kunenge kwava kutanga zvakare.

Gore rapera, vaimbova gavhuna weMasvingo, VaTitus Maluleke, vakambomisa masangano akazvimirira makumi maviri nemapfumbamwe kushanda mudunhu iri vachiti ainge oita zvematongerwo enyika.

Hatina kukwanisa kubata VaBhasikiti kuti tinzwe divi ravo pamusangano uyu uri kunziwo unenge uine vakuru vesangano revasori mudunhu iri.

Sachigaro weNANGO kuchamhembe kwenyika, VaSylvester Chin’anga, vanoti masangano akazvimirira agarawo achida kuita hurukuro naVaBhasikiti.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSylvester Chin'anga