Masangano Anorwira Kodzero Oshora Kuputswa kweDzimba kuEpworth neChitungwiza

  • Jonga Kandemiiri

Amnesty International

Mamwe masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti ari kushushikana zvikuru nekuputswa kuri kuitwa dzimba dzinonzi nemakanzuru eChitungwiza, Epworth ne Harare dzakavakwa zvisiri pamutemo.

Masangano aya ndere Amnesty International ne Zimbabwe Human Rights Commission.

Chipangamazano musangano re Amnesty International, VaSimeon Mawanza, vanoti makanzuru aya haana kuremekedza bumbiro remitemo, iro rinoti hapana munhu anofanirwa kusiiwa asina pekugara.

Vanotiwo danho iri richakanganisa hupenyu hwevanhu vakawanda, zvikuru pachitariswa kuti mvura yave kuda kunaya.

Zimbabwe Human Rights Commission, kuburikidza nasachigaro wayo, VaElasto Mugwadi, inotiwo ichaongorora nezvekuputswa kwezvivakwa uku panguva imwe cheteyo ichiita hurukuro nebazi rezvekutongwa kwematunhu kuti vanzwe kubva kumativi ose.

Studio 7 yaedza kubata VaMugwadi asi vanzi vanga vasiri muhofisi yavo.

Hatinawo kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSimeon Mawanza