Zimbabwe Yosarirwa neZvipembere Zviri Pasi peMazana Masere

  • Blessing Zulu
Zimbabwe neChipiri yakatanga musangano wemazuva maviri wekutaura nezvekuchengetedzwa kwezvipembere izvo zvinonzi zvasara zviri mazana manomwe nemakumi mashanu chete munyika yose kubva pazviuru zviviri mumakore ekuma 1980.

Asi mukuru mubazi reParks and Wildlife, VaGoeffrey Matipano, vanoti gore rapera huwandu hwezvipembere zvakaurayiwa hwakadzika zvikuru zvichienzaniswa nemuna 2012. Gore rapera zvinonzi kwakaurayiwa zvipembere makumi maviri.

Asi gore rapera kumashure kwakaurayiwa zvipembere makumi matanhatu. Zvipembere zvasara munyika zvave kutofudzwa semombe sezvo pachityirwa kuti zvinogona kuurayiwa nevanoda nyanga dzacho dzinononzi dziri kutengwa zvakanyanya nevekumabvazuva vamwe vacho vanofunga kuti zvine mushonga unovcabatsira.

Kunyangwe hazvo huwandu hwezvipembere zvakaurayiwa zvisiri pamutemo hwakadzika munyika, kuSouth Africa kune zvipembere zviuru makumi maviri nemashanu kunonzi kwakatowedzera huwandu hwezvipembere zvakaurayiwa zvisiri pamutemo.

Zvinonzi kwakaurayiwa zvipembere zvinosvika chiuru chimwe chete kuwedzera nezvikamu makumi mashanu kubva muzana zvichienzaniswa negore ra 2012.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Conservancy Taskforce VaJonny Rodriguez vanoti Zimbabwe inoda mari yakawanda kuti idzivirire kuurayiwa kwezvipembere.