Mhuri Yakabatsirwa neVana Vana Mwedzi Minonwe Yapfuura Yoramba Iri Muchipatara neHurombo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

quads

Imwe mhuri yekuMbare yakabatsirwa nevana vana mwedzi minomwe yapfuura inoti ichiri muchipatara cheHarare Hospital umo vari kuchengetwa sezvo vasina pekugara pakanaka.

Amai vevana ava, Amai Alice Mutasa, vanoti kunyangwe hazvo vana vavo vakasimba, vachiri vakachengetedzwa muchipatara sezvo kwavanogara kusina nzvimbo yakatambanuka.

Vana ava vanonzi Charmaine, Charnell, Chantell na Charlene. Amai Mutasa vane makore makumi maviri ekuberekwa uye vane mumwe mwana mukomana ane makore mashanu uyo vanoti ari kuchemera kuti vadzoke kumba.

Amai Mutasa vanoti pane vamwewo amai vane tsiyo nyoro vari kuvabatsira pari zvino kuti vaunganidze mari yekuti vatsvage pekugara pakatambanuka.

Pari zvino Amai Mutasa vanoti vakavhurirwa bhuku rekubhanga reCABS uye vanoda kuvabatsira vari kuisa mari mubhuku iri.

Amai Mutasa vanoti vakatarisira kuti zvinhu zviwanikwe zvichisanduka mugore rinotevera kunyange hazvo ivo nemhuri yavo vachadyira zororo rekisimusi muchipara.

Vanoti murume wavo ari kuyedza nepanokwanisa kubatsira kuchengeta mhuri asi zvinhu hazvina kumira zvakanaka pari zvino muhupenyu hwavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaMai Alice Mutasa