VaZembe Voitwa Sachigaro Mutsva wePSMAS

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

PSMAS

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vari munhu anozivikanwa munyaya dzemabhizinisi, Va Luxon Zembe, ndivo vadomwa kuva sachigaro mutsva wekambani yePremier Service Medical Aid Society, PSMAS.

Va Zembe, avo vanga vari nhengo yebhodhi re PSMAS, vari kutora basa revaimbove sachigaro, Amai Meise Nemasasu, avo vakasiyiswa basa mushure mekunge pabuda nyaya dzemari dziri kutambirwa nevakuru vakuru paPSMAS.

Kambani ye PSMAS yakaendesawo vaive mukuru wayo, VaCuthbert Dube, pamudyandigere zvechimbi chimbi zvichitevera kupomherwa mhosva yehuwori kuri kuitwa bhodhi rekambani iyi.

VaDube, avo vanonzi vane zvikamu zvehupfumi makumi maviri kubva muzana mukambani iyi, vaitambiriswa mari inoita mazana maviri nemakumi matatu ezviuru pamwedzi. Nyaya iyi iri kuongororwa.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi uye vachishanda neCoalition For Liberal Market Solutions, Va Rejoice Ngwenya, vanoti danho ratorwa rekudoma sachigaro mutsva ringangobatsira mukugadzirisa zvinhu sezvo VaZembe vari munhu ane ruzivo rwakadzama munyaya dzekufambiswa kwezvemabhizinesi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Rejoice Ngwenya