Pope Francis Vosangana muVetican neMabhishopu Avo emuZimbabwe

  • Blessing Zulu

Pope Francis

Mukuru we Roman Catholic, Pope Francis, neMuvhuro vakaita musangano nemabhishopu emuZimbabwe vakavatenda nekuramba vakamira semusambangwena kunyange hazvo nyika yakatarisana nematambudziko makukutu.

Pope Francis vanzi vati kereke yavo yaramba yakashinga mukumira nevatenderi vayo kubva nyika isati yasununguka kusvika yawana kuzvitonga kuzere.

Vanotiwo ikozvino Zimbabwe yakatarisana nematambudziko ari kupa kuti mamiriyoni evanhu atize munyika achienda muhupoteri, vamwe vachirasikirwa nehupenyu vamwe vachisvimha misodzi.

Pope Francis vakurudzirawo mabhishopu aya kuti asatore mativi pakunetsana kuri munyika asi kuti aite mutongi gava.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanopinda chechi yeRoman Catholic uye vanogaroenda kuVatican.

Munyori mukuru weZimbabwe Catholic Bishops Conference, Father Fredrick Chiromba, vanoti misangano iyi inofanira kuitwa kamwe chete pagore asi yave kutora makore akawanda kuti iitwe nekuti Pope vanenge vakabatikana nebasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFrederick Chiromba