ZIMRA Yobhadharisa Mitero paZvinhu Zvakaita seMagumbeze, Upfu, Mafuta neShuga Zvinobva Kunze

  • Jonga Kandemiiri

Smoke billows following a reported air strike on a rebel-held area in the southern Syrian city of Daraa.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi inoti danho rakatorwa nebazi rinoona nezvekupinda pamwe nekubuda kwezvinhu munyika, reZimbabwe Revenue Authority, ZIMRA, rekubhadharisa mari pazvimwe zvinhu zvinenge zvichipinzwa munyika kubva kunze, inzira yekuti homwe yehurumende ipinde mari munguva ino yekuoma kwezvinhu.

Vapropser Chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, vanotizve neimwe nzira hurumende iri kuzama kuchengetedza makambani emunyika, anogadzira zvinhu zvakafanana nezviri kubva kunze kwenyika.

Asi VaChitambara vanoti kunyange hazvo hurumende yatora danho rakanaka iri, havaoni makambani aya achizogutsa misika inoda zvigadzirwa zvawo sezvo michina mizhinji yave yekare isingakwanisi kufambidzana neyechizvinozvino.

ZIMRA yakaburitswa gwaro rinozivisa kuti kubva musi wa 1 Gunyana 2015, zvinhu zvakaita semagumbeze, mafiriji, zvitovhu, mafuta ekubikisa pamwe nesipo dzekuwachisa, mibhedha, furawu, upfu, shuga, nyama, mazai, hove mukaka weupfu, uchi pamwe nejamu zvinenge zvobhadhariswa mitero yekupinzwa munyika kana kuti customs duty.

Asi VaChitambara vanoti nemamiriro akaita zvinhu munyika, danho iri rinogona kutowedzera kupinzwa kwezvinhu izvi munyika zvisiri pamutemo.

“Harisi dambudziko remuZimbabwe chete asi kuti nyika dzose dzinoedza kuisa mitemo yekupinzwa kwezvinhu dzinosangana nematambudziko iwayo, ekuti vamwe vanenge vopinza zvinhu izvozvo zvisiri pamutemo,” vanodaro VaChitambara.

Vanotiwo izvi zvinoita kuti nyaya dzehuwori dziwande, dzimwe nguva vashandi veZIMRA yacho vachitoshandwa navo muhuwori ihwohwo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaProsper Chitambara