Vamwe Vokuvara Mukuputswa kweDzimba muHarare

  • Blessing Zulu

Dzimba dzakaputswa muHarare

Vamwe vanhu vaviri vakakuvara nemusi weChitatu kuBudiriro muHarare uko kwaiputswa dzimba nekanzuru yeHarare.

Izvi zvinotevera kurudziro yegurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere zvekuti dzimba dzakavakirwa pasipo dziputswe.

Vakakuvara ndi VaWilbert Bondera naVaShephered Machokoto. Amai Dorothy Bondera, mudzimai waVaBondera vaudza Studio 7 kuti murume wavo akakuvara mushure mekurohwa nebhoma achida kuratidza maputisa ekanzuru tsamba yekudare yekuti vainge vasina mvumo yekuputsa dzimba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Dorothy Bondera

Gweta revanhu vakaputsirwa dzimba kuBudiriro ava VaKennedy Masiye vanoti vakakwirazve kudare nemusi weChina. VaMasiye vanoti kanzuru yakazvidza dare nekuputsa dzimba iro dare rainge rati hurongwa uhu humiswe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKennedy Masiye

Sangano reZimbabwe Human Rights Commission rakatozivisa kuti richange richiongorora nyaya yekuputswa kwedzimba nekanzuru yeHarare kunzvimbo dzakaita seCaledonia, Glen Norah, Budiriro neWestlea.

Vagari vemunzvimbo idzi vari kuchema chema kuti vari kuputsirwa dzimba pasina mvumo yapihwa dare nekanzuru sezvinodiwa nebumbiro remutemo idzva.