VeZanu-PF neMDC-T Votatsurana paNyaya yeMamiriro Akaita Zvinhu muNyika

VaMorgan Tsvangirai naVaRobert Mugabe

Mapato anopikisa munyika anoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzezvematongerwo enyika pamwe nezveupfumi.

Asi Zanu-PF inoti zvinhu zviri kunaka kuburikidza nezvibvumirano zviri kunyoreranwa pasi nenyika dzinosanganisira China, Russia neNigeria.

Svondo rino muzvinabhizimusi ane mari kupfuura vamwe vose muAfrica achibva kuNigeria, VaAl Haji Aliko Dangote vakanga vari munyika umo vanonzi vakanyorerana zvibvumirano naVaMugabe zvekuti vatange mabhizimusi munyaya dzemagetsi, kugadzirwa kwesimende pamwe nekucherwa kwemarasha.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu vanoti havaone Zanu-PF ichikwanisa kukwezva vekunze nenyaya yemitemo yehurumende isina kumira zvakanaka.

Asi nhengo yeZanu-PF vachiongorora zvematongerwo enyika, VaGadzira Chirumhanzu vanoti veMDC vanongoshora chero nezvakanaka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGadzira Chirumanzu naVaObert Gutu