Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti havasi kuzodududza panyaya yekusapinda musarudzo kunyange hazvo pave nerunyerekupe rwekuti nyaya iyi yave kukonzera zinyekenyeke mubato ravo.
Pane mashoko ekuti VaTsvangirai vave makara asionane nemutevedzeri wavo, Muzvare Thokozane Khupe.
Asi VaTsvangirai vanoti idzi inhema uye vari kuzadzikisa zvido zveruzhinji mubato, avo vakapa zvisungo pakongiresi yakaitwa muna Gumiguru.
VaTsvangirai vanoti hurumende nekomisheni inoona nezvesarudzo, yeZimbabwe Electoral Commission, vanofanira kuvandudza mitemo yesarudzo.
Pari zvino pane ma by-elections achaitwa musi wa 10 Chikumi, asi MDC-T inoti haisi kupinda musarudzo idzi.
Ukuwo ZEC inoti iri kuita hurongwa hwekunyoresa vanhu vachavhota munzvimbo dzisisina vamiriri zvichitevera kudzingwa muparamende kwakaitwa nhengo dze MDC Renewal Team.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaMorgan Tsvangiai