University of Zimbabwe Inovhurwa

Oppah Muchinguri

Hurumende inonzi yazokwanisa kubhadhara varairidzi vemuzvikoro zvepamusoro soro zvazopa kuti Univesity of Zimbabwe yaimbenge yavharwa neChipiri ivhurwe zvekare neChitatu.

Gurukota rezvedzidzo yepamusoro Amai Oppah Muchinguri Kashiri vanoti vainge vamhanya mhanya kutsvaga mari yekubhadhara varairidzi.

Varairidzi nevamawe vashandi muzvikoro zvepamusoro vainge vakanda mapadza pasi vachiti vainge vasina kubhadharwa mari dzemihoro uye mabhonasi egore rapera.

Hurumende iri kutatarika kubhadhara vashandi vayo sezvo mari dzemitero dzisiri kukwana nekusamira zvakanaka kwehupfumi.

Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights rainge raenda kudare repamusoro richipikisa kuvharwa kweUZ richiti uku kutyora kodzero dzevadzidzi pasi pebumbiro remitemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaHarrison Saruchera