Magweta, Mapurisa Votsvaga VaDzamara kuMatirongo

  • Blessing Zulu

VaItai Dzamara

Magweta ari kumirirura vanorwira kodzero dzevanhu uye vari mutori wenhau, VaItai Dzamara, anoti neChipiri ari kutarisira kutanga kushanyira majeri uye matirongo ose ari muHarare ari pamutemo kuti vaone kuti VaDzamara havasi kuchengetwa ikoko here.

Kupambwa kwaVaDzamara neMuvhuro svondo rapera kwapa kuti mapurisa azare mumigwagwa yeHarare achityira kuti vanhu vanogona kutanga kuratidzira.

Izvi zvinotevera mutongo wakapihwa nemutongi wedare repamusoro, VaDavid Mangota, wekuti mapurisa asimbise kutsvaga VaDzamara.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzekurwira kodzero dzevanhu dzinoti nzvimbo dzakaita sedzevasori nedzemauto dzinonzi dzinosimboendeswa vanhu vanenge vapambwa dzishanyirwewo nemagweta aya.

Vanotungamira basi rematikitivha, Assistant Commissioner Chrispen Makedenge, ndivo vave kutungamira kutsvagwa kwaVaDzamara.

Mukupera kwesvondo rapera VaMakedenge vainge vatotanga kuburitsa mashoko ekutsvaga VaDzamara pamarhedhiyo nemumapepanhau vachiti vane humbowo hwekuti varipi vavazivise.

Rimwe remagweta aVaDzamara, VaAlec Muchadehama, vanoti ichokwadi kuti hurongwa hwekutsvaga VaDzamara huri kutanga neChipiri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaAlec Muchadehama

Zvichakadaro, mhuri yaVaDzamara yaitawo musangano nevatori venhau ichiti haisi kufara nemashoko ari kutaurwa nevamwe vanhu vachireva nhema nemashoko ari kutaurwa nezvaVaDzamara vamwe vachiti vakangohwanda havana kupambwa.

Munun’una waVaDzamara, VaPatson Dzamara, vanoti vari kushushikana nekutsakatika kwemukoma wavo vachiti vanhu vakavapamba vanofanira kuvadzora nekuti mhuri yavo iri kunetseka.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPatson Dzamara