Makobvu neMatete Okandiranwa Muparamende neNyaya yaVaDzamara

  • Blessing Zulu

Muparamende makandiranwa makobvu nematete nhengo dzeparamende dzichibvunza gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, pamire hurumende panyaya yekupambwa kwemurwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara.

VaMnangagwa, avo vanova zvakare mutevedzeri wekutanga wemutungamiri wenyika, vati vari kushushukanawo nekushaikwa kwaVaDzamara.

VaMnangagwa vati mutemo uchashandiswa zvakadzama pakuranga vakapamba VaDzamara.

Mutauriri vemapurisa, Amai Charity Charamba, vanoti vari kuferefeta nyaya iyi.

Pamboita runyerekupe rwekuti VaDzamara vange vari mumaoko emapurisa kuHarare Central Police Station.

Asi gweta raVaDzamara, VaCharles Kwaramba, vati mapurisa avaudza kuti vachiri mubishi kutsvaga VaDzamara.

VaDzamara vakapambwa neMuvhuro muGlen View nevanhu vaive mumotokari yemhando yeIsuzu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCharles Kwaramba