VaBhasikiti Voramba Kuti Varikuda Kutiza muNyika

bhasikiti

Vaimbova gurukota rinoona nezvedunhu reMasvingo VaKudakwashe Bhasikiti varamba mashoko ekuti vakatema miti papurazi ravo reMoria Farm pedyo neBeitbridge vachida kutiza munyika vachinyunyuta nekuburitswa basa muhurumende.

VaBhasikiti vanoti kutema kwavari kuita miti kuda kuti ibukire ibereke michero zvakanaka sezvinokurudzirwa nenyanzvi munyaya dzekurima.

Vanotiwo vakagarawo vanzwa nerunyerekupe gore rapera kuti amai Shuvai Mahofa ndivo vainge vachazotora chigaro chavo.

Amai Mahofa vakatoreswa mhiko nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kuState House nemusi weChina kuti vatore chigaro ichi.

VaBhasikiti vanoti nyaya yakaita kuti vadzingwe ndeyekuti vainzi vanodyidzana nevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joyce Mujuru.

Asi vanoti hapana chakaipa pakutsigira kwavaiita amai Mujuru nekuti vainge vadomwa naivo VaMugabe pachigaro chavainge vainacho.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKudakwashe Bhasikiti

Kusvika parizvino, VaMugabe vadzinga makurukota ehurumende gumi nemanomwe.