Vakawanda Vofarira Mashoko Anorambidza Mapurisa Kufaindisa Vatyairi Munzira

  • Blessing Zulu

Zimbabwe republic Police

Magweta anorwira kodzero dzevanhu nevanhuwo zvawo vanoti vari kufara zvikuru nemashoko akataurwa nemutongi wedare repamusoro, VaFrancis Bere, ekuti kubhdharisa vanhu mari dzefaindi mumigwagwa uye kuvatorera motokari dzavo kana vatadza kubhadhara kutyora mutemo wenyika.

VaBere vakataura mashoko aya kuMasvingo neMuvhuro pakuparura zviri pamutemo kutanga kushanda kwedare repamusoro gore rino.

Asi vachipindura mashoko aya kuvatori venhau, mutauriri wemapurisa VaPaul Nyathi, vanoti VaBere vaingotaurawo havo, asi mashoko avo haasi mutemo.

VaNyathi vanoti nekuda kwekuti havana kutaura mashoko aya mudare, mapurisa achaenderera mberi achibhadharisa vanhu mari mumigwagwa.

VaBere vakati nyaya yekutora mari kuvatyairi yave kukanganisa zvakanyanya mapurisa kuita basa nemazvo.

Masangano anorwisa huori akaita seTransparency International neAfrobarometer agara achishora tsika yemapurisa yekutora mari kubva kuvanhu achiti yave kupa kuti paite huori hwakanyanya munyika.

Vatyairi vataura neStudio 7 nemagweta anorwira kodzero dzevanhu vanoti vanotambira mashoko aVaBere nemufaro mukuru.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDzimbabwe Chimbga, vanoti mapurisa ave nenguva yakawanda achityora mutemo, uye izvi zvinofanirwa kugadziriswa zvachose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDzimbabwe Chimbga