VaTsvagirai Vokurudzira Kubatana

VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai, vanoti kuti matambudziko emunyika apere, vanhu vanofanira kuita mubatira pamwe chuma chemuzukuru.

VaTsvangirai vanotiwo vari kutsigira musangano weNational Convergence Platform uyo uri kukokerwa naBishop Sebastian Bakare. Musangano uyu uri kuunza mapato ezvematongerwo enyika, machechi, masangano akazvimirira nevamwe.

Pange pamboita kukandirana makobvu nematete pakati peMDC-T naVaBakare mushure mekunetsana kuti zano iri range riri raani chaizvo.

VaTsvangirai vanotiwo mumisangano yavari kuita nevanhu mavari kufamba zvikuru mumisha yevazhinji, zviri kubuda pachena kuti vanhu vakawanda vari kunonga svosve nemuromo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMorgan Tsvangiai