VaTsvangirai Vanoti muZimbabwe Mavekuda Kubatana kweMapato Ose Kuti Apedze Matambudziko Asangana neNyika

  • Thomas Chiripasi

Mutungamiri webato guru rinopikisa re MDC, VaMorgan Tsvangirai neChina vakakurudzira kuti paitwe musangano wemapato ose ezvematongerwo enyika, vedzisvondo, vemabhizimusi pamwe nevemasangano anoshanda akazvimirira kuti patsvagwe nzira dzokugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo pa Harvest House mu Harare VaTsvangirai vati vari kutarisira kuti musangano uyu uitwe mukati memwedzi miviri iri kutevera uye vanoti mari yacho yekuunganidza mhomho

VaTsvangirai vanoti vachakokawo mapato ose ezvematongerwo enyika kumusangano uyu kusanganisira bato riri kutonga re Zanu PF.

Hatina kukwanisa kunzwa divi re Zanu PF panyaya iyi sezvo mutauriri webato iri, VaSimon Khaya Moyo, vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi nhengo yePolitburo yeZanu-PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vaudza Studio 7 kuti VaTsvangirai vakakundwa sarudzo nekudaro havakwanise kudaidzira musangano wemapato ose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaSidney Masamvu, vati zvinogona kunetsa kuti Zanu PF iyende kumusangano uyu

Vati hupfumi hwenyika hausisina kumira zvakanaka zvekuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe havafanire kunge vari pazororo zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyika.

Vatiwo nekusamirana zvakanaka kwakaita zvinhu munyika, vanyorera sangano renyika dziri mumubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kwe Africa re SADC pamwe nesangano re African Union kuti vapindire munyaya ye Zimbabwe.

Vati kusamira zvakanaka kwehupfumi pamwe nekushayikwa kuri kuitwa mabasa kunogona kukonzera kusagadzikana munyika dziri kuchamhembe kwe Africa.

Zvichakadaro, VaTsvangirai vashora mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, avo vanonzi vakakonzera kudzingwa kwemhuri dzinodarika mazana maviri ku Mazowe nezuro kuti vagochengeta mhuka papurazi ranga richigara vanhu ava.

Magweta arikumirira vanhu vakadzingwa ava anoti arikugadzirira kuendesa nyaya iyi kumatare edzimhosva sezvo dare repamusoro rakambotura mutongio wekuti vanhu ava havafanire kudzingwa papurazi iri vasina kupihwa pamwe pekugara.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi