Mapurisa anonzi akabvisa zvechisimba mhuri dzinodarika mazana maviri pane rimwe purazi riri ku Mazowe kuitira kuti mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe vakwanise kuchengetera mhuka papurazi iri.
Mashoko atatambira anoti Amai Mugabe, avo vari kunze kwenyika nemurume wavo nemhuri, vanonzi vatumira mapurisa anga akapakatira zvombo kupurazi re Anold Farm Number 10 riri ku Mazowe kuti anobvisa mhuri dzinodarika mazana maviri papurazi apa.
Mumwe mugari wepapurazi apa audza Studio 7 parunharare kuti mbatya dzavo dzasiiwa dziri pamhene nemapurisa aya avyo avati anaga ane motokari dzakawanda akatakura zvombo.
Mugari uyu, uyo asina kuda kudomwa nezita kana kubuditswa izwi rake pamhepo, ati mapurisa pamwe nevanofungidzirwa kuti vasori vanga vave nemazuva vachiuya papurazi apa vachiti vagari vose vabve papurazi apa kuitira kuti Amai Mugabe vagokwanisa kuchengeta mhuka dzavo papurazi iri.
Aenderera mberi achiti chirikuvarwadza ndechekuti mbatya dzavo dzingangoparadzwa nemvura irikunaya mazuva ano uye havana kwekuenda nemhuri dzavo.
Mugari uy aenderer mberi achiti chimwe chirikurwadza ndechekuti vanga varima zvirimwa zvavo zvekuti vatotarisana nenzara mwaka unoi zvichitevera kudzingwa kwavaitwa papurazi iri.
Rimwe remagweta arikuona nezvenyaya iyi uye vachishanda nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDavid Hofisi, vaudza Studio 7 kuti vatotumira magweta kupurazi iri.
VaHofisi vashora kutorwa kwepurazi iri naAmai Mugabe kunyange hazvo paine mutongo wedare repamusoro wekuti vanga vachigara papurazi iri vasabviswe vasina kupihwa dzimwe nzvimbo dzekugara.
Mhuri idzi dzave nenguva yakareba dzakagara papurazi iri zvichitevera chirongwa chehurumende chekugovera minda kuvanhu vatema icho chakatangwa muna 2000.
Mumiriri weMazowe West muparamende VaFortune Chasi pamwe negurukota rinomirira Mashonaland Central, VaMartin Dinha, vati havasati vaziva nezvaitika papurazi iri.
Mutauriri wemapurisa, Senior Assitant Commissioner Charity Charamba vati vakamirira kunzwa kunzwa kumapurisa ekudunhu iri vasati vapa divi remapurisa panyaya iyi.
Muna Kukadzi wegore rapera, pane mhuri dzinodarika mazana manomwe dzakadzingwa naAmai Mugabe papurazi reManzou riri muMazowe makare dzikatutwa nedzimotokari dzikanosiyiwa parutivi pemigwagwa ku Concession pamwe neku Muzarambani.
Amai Mugabe vakataura pakupera kwegore rapera kuti vari kuda kuvaka yunivhesiti mu Mazowe munguva pfupi inotevera ichange ichidaidzwa kuti Robert Mugabe University.
Pakupera gwegore rapera, VaDinha vakati Amai Mugabe vachavapa chero purazi ravanenge vati vanoda.
Mhuri yemutungamiri wenyika inonzi yakatorawo mapurazi akawanda anosanganisira raimbova remutongi wedare repamusoro VaBen Hlatshwayo uye mhuri iyi ine chikoro chiri muMazowe makare pamwe nerimwe purazi rinochengetwa mombe dzemukaka reGushingo Dairies.
Your browser doesn’t support HTML5
Interview with Tau Mangwiro
Rimwe gweta rinomirira vanhu ava VaTonderai Bhatasara vaudza Studio 7 kuti vayedza kutaura nezvemitemo mumapurisa nezvekutyorwa kuri kuitwa bumbiro nemapurisa asi vati hapana chabuda. Vati neChina vachange vachikwira kudare kuti ritorere mapurisa matanho akasimba nekuzvidza matare.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTonderai Bhatasara