Mutauro Woramba Kupera muZanu-PF

  • Blessing Zulu

President Robert Mugabe with his two deputies, Phelekezela Mphoko (L) and Emmerson Mnangagwa (R). Collage by Ntungamili Nkomo

Kunetsana muZanu-PF kuri kuramba kuchienderera mberi kunyange hazvo bato iri rakambozivisa kuti panopera kongiresi yaro yakaitwa muna Zvita gore rapera zviri kunetsa zvinenge zvagadziriswa.

Nyaya younza bopoto mubato inyaya yekuti poitwa sei nenhengo dzedare reparamende dzinonzi dzaitsigira vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.

Kudzingwa kwevanhu ava pabumbiro remitemo kunoreva kuti kunenge kuchifanira kuitwa sarudzo itsva.

Kunyange hazvo vanoona nezvematongerwo enyika mubato iri, VaSavior Kasukuwere, vari kuti hakuna vanhu vanofanira kudzingwa, izvi hazvisi kumisa nyaya yekuti mamwe matunhu arambe akatsika madziro kuti nhengo dzeparamende idzi dzidzingwe.

Ngengo idzi dzinosanganganira VaDidymus Mutasa, VaNicholas Goche, Amai Olivia Muchena, VaEnock Porusingazi nevamwe vadzingwe. Dzimwe nhengo dzebato kumatunhu akaita seMashonaland East, Midlands, Masvingo, Manicaland ndidzo dziri kunyanya kuita mutauro.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri webato iri, VaSimon Khaya Moyo, avo vange vasiri kudavira nharembozha yavo.

Asi vamwe vanhu kuChipinge South vanonzi vakatomboratidzira vachiti havasi kuda VaPorusingazi kuti varambe vachivamirira sezvo vakamiswa kuva nhengo yebato kwemakore mashanu vachinzi vaitsigira Amai Mujuru uye kukonzera kusawirirana mubato.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEnoch Porusingazi

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaMaxwell Saungweme, avo vachangopeta zvidzidzo zvepamusoro paStellebosch University kuSouth Africa vanoti Zanu-PF yave kutyira kuti ikaita sarudzo inogona kudyiwa nevanoipikisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMaxwell Saungweme