Vanhu Vakawanda Vofa Munjodzi Dziri Kuitika Husiku paZororo reKisimusi

  • Blessing Zulu

Zimbabwe Police Accident

Mutauriri wemapurisa Chief Supritendant Paul Nyathi vari kukurudzira vatyairi kuti vafambe kwakachena nekuti husiku kwave kuitika njodzi dzakawandisa mumigwagwa pazororo rino rekisimusi izvo zvapa kuti vanhu makumi matanhatu nevana vashaye.

Mapurisa anoti vatyairi pachezvavo ndivo vari kukonzerawo njodzi nekusatevedzera mitemo yemumigwagwa.

Dunhu reMasvingo ndiro rine vanhu vakawanda vashaya avo vari kusvika gumi nevashanu, kuchitevera Matebelalnd South ine gumi, kwouya Harare ne Mashonaland East dzine vanhu vasere vashaya.

Mashonaland Central ine munhu mumwe chete. Vanhu vafa pazororo rekisimusi gore rino vakawandisa kudarika gore rapera apo pakafa vanhu makumi mashanu nevatanhatu.

Vanhu mazana mana nemakumi mana nevatatu vashaya zvichienzaniswa nevanhu mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevana gore rapera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naChief Supritendent Paul Nyathi