Mutungamiri webato rinopikisa reMovement For Democratic Change, VaMorgan Tsvangirai, vanoti nyaya yakaitwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, yekudzinga vamwe vanhu mubato ravo kusanganisira vaimbova mutevedzeri wavo, Amai Joice Mujuru, yazungunutsa bato iri zvekuti rave zuru rakapinda nyoka.
VaMugabe vakadzingawo makurukota masere nemutevedzeri wegurukota mumwe chete.
Vakadzingwa ava vanosanganisira vaiona nezvemabasa mubato iri, VaDidymus Mutasa, avo vange vachinzi nemapepa ehurumende vakatiza munyika.
Asi VaMutasa vaudza Studio 7 kuti vari kuIndia nemudzimai wavo uyo vati achiri kusimbirwa nemuviri. VaTsvangirai vanoti VaMugabe vave kutotora bato reZanu-PF sekunge ndiwo mambo vanoita chero zvavafunga.
Asi bato remdc-t range richinetsanawo zvakapa kuti vamwe vabude mubato iri gore rino kanova kechipiri kubva zvaraumbwa.
VaTsvangirai vanoti sezvo kongiresi yebato ravo yapera, vave kutarisa mberi kuti vaone kuti munyika maitwa shanduko sarudzo dzisati dzaitwa muna 2018.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaMorgan Tsvangiai