Chikwata chaVaMnangagwa Chonetsena naVaMugabe

  • Blessing Zulu

Zimbabwe Politics

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanonzi vari kunechikwata mubato ravo chinonzi chiri kutungamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, panyaya yekuti voita sei nenhengo dzebato dzinonzi dzaitsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.

Komiti yeZanu-PF inoona nezvemitemo yakabuda nechisungo chekuti vanhu vose vanenge vabatwa nemhosva yekusatevera gwara remusangano uye kuda kupandukira vatungamiri vebato vadzingwe mubato.

Amai Mujuru nevamwe vakuru mubato vanovatsigira vari kupomerwa mhosva yekuti vaida kupfuudza VaMugabe. Asi hapana humbowo hwati hwapihwa. Chimwe chisungo chekomiti iyi ndechekuti masachigaro akamiswa basa ambomiswa kuva nhengo dzebato kwemakore mashanu.

Asi VaMugabe vakadoma vamwe vechikwata chaAmai Mujuru kuti vapinde muCentral Committee. VaMugabe vakatiwo Amai Mujuru nevamwe vanogona kusadzingwa voita nhengo dzebato dzisina zvigaro.

Asi vamwe vanotsigira VaMnangagwa vakaita sasachigaro wevakarwa hondo yerusununguko, VaChris Mutsvangwa, vange vachida kuti vanhu ava vadzingwe mubato.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaShakespear Hamauswa, avo vanodzidzisa paMulungushi University kuZambia vanoti VaMugabe vanogona kurwisanisa vanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaShakespear Hamauswa