Sangano rinorwira kodzero dzemadzimai nevanasikana reMusasa Project rinoti huwandu hwemhirizhonga yemudzimba hwasvika pakaipisisa zvekuti nyika yakutofanira kuisa musoro pamwe chete kuti igadzirise dambudziko iri.
Musasa Project inoti nyaya yekusamira zvakanaka kwehupfumi yapa kuti vanhu vanyanye kunetsana mudzimba pachiita mhirizhonga.
Kubva muna Ndira kusvika muna Gumiguru, vanhu vanosvika zviuru zvipfumbamwe vange vamhang’ara nyaya dzekushungurudzwa muhofisi yesangano iri muHarare chete.
Gore rapera rose Musasa Project inoti vanhu vanosvika zviuru gumi nezvishanu vakamhang'ara nyaya dzavo kusangano iri.
Asi sangano iri rinoti pavanhu vazhinji vari kushungurudzwa nekubatwa chibharo, vanhukadzi vanosvika zvikamu makumi masere kubva muzana ndivo vari kuuya kuzomhang'ara vana vane makore ari pakati pemakore gumi nerimwe kusvika pamakore gumi nemana.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti vatungamiri venyika havasi kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi sezvo vari kupedza nguva yakawanda vachirwira masimba.
Vanotungamira Musasa Project, Amai Netty Musanhu, vanoti vatungamiri venyika vanofanira kuzeya nyaya iyi vobatsira mukutsvaga nzira dzekupedza dambudziko ratemesa nyika musoro..
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naAmaI Netty Musanhu