Hutungamiri hweZanu PF hwasangana neChitatu pamusangano wedare repamusoro soro rebato hukakurukura kuvandudzwa kwebumbiro rebato.
Musangano uyu wakurukura zvakare zviri kubva kumatunhu zvakanangana negadziriro yekongiresi yeZanu PF.
Vari kutaura vakamirira bato pari zvino, uye vari sachigaro waro, VaSimon Khaya Moyo, vanoti nyaya yekuvandudzwa kwebumbiro rebato yakurukurwa uye ichapetwa nedare re Central Committee.
Vamwe muZanu PF vari kuda kuti kongiresi ingova yekusarudza mutungamiri webato uyo anozodoma vanhu vaanoda kushanda navo. Makore ose aya Zanu PF yanga ichisarudza vatungamiri vayo pakongiresi.
Kuvandudzwa kwebumbiro rebato kunonzi kunofanirwa kuitwa kongiresi isati yatanga musi wa 3 Zvita.
Asi pamusangano we Politiburo waitwa uyu, mutevedzeri wemutungamiri webato, Amai Joice Mujuru, vanonzi vanga vasipo. Amai Mujuru vakarambidzwa nevamwe vanhu mudunhu ravo kuti vave nhengo itsva yeCentral Committee vachinzi vane mhosva dzavari kupomerwa dzekuda kubvisa mutungamiri webato, VaRobert Mugabe, pachigaro.
Mumwe anonzi haana kupinda musangano uyu igurukota rezvevashandi vehurumende, VaNicholas Goche, avo vakatadziswa zvakare kupinda mu Central Committee nevanhu vemudunhu ravo vanonzi vari kutsigira gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vazotore chigaro chaVaMugabe kana vachinge vachisiya.
VaMnangagwa vanonzi vari kurwira masimba aya naAmai Mujuru. Asi vaviri ava vanoramba kuti vane zvikwata zvavari kutungamira.
Vamwe mubato iri vanoti Amai Mujuru naVaGoche vange vasiri kunzwa zvakanaka asi vamwe vachiti kusapinda mumusangano uyu kune chekuita nekunetsana kwatsviriridza muZanu PF.
VaGoche varamba kutaura neStudio7 pamusoro pezviri kuitika mubato ravo pamwe nenyaya dzavari kupomerwa nevamwe vavo muZanu PF.
Vamwe vari kunzi vanofanirwa kusapinda muCentral Committee kunyange vakanga vasarudzwa igurukota rezvehumhizha mukufambiswa kwemashoko, VaWebster Shamu, negurukota muhofisi yaAmai Mujuru, VaSylvester Nguni.
Ukuwo mutevedzeri wegurukota rinoona nezveminda, VaTendai Savanhu, vari kunzi vadzingwa mubato sezvo vanga vachikonzera kupatsanurwa kwedunhu reHarare nenyaya yezvikwata.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, VaJoy Mabenge, vanoti zvekupa VaMugabe masimba hazvigadzirise matambudziko ari mubato.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJoy Mabenge