South Africa Yobvuma Kuferefeta Vatyori veKodzero muZimbabwe?

  • Blessing Zulu

VaJacob Zuma

Hurumende yemuSouth Africa inoti ichatevedza mutongo waturwa neChina nedare repamusoro soro wekuti mapurisa emunyika iyi pamwe nevachuchisi vehurumende vanosungirwa nemutemo wenyika kuferefeta mhosva dziri kupomerwa vamwe vakuru vakuru muhurumende yeZimbabwe.

Mhosva idzi ndedzekutocha nekuita kafiramberi nhengo dzeMDC-T muna 2007.

Richipa mutongo waro neChishanu panyaya yakanga yapikiswa nehurumende, dare iri rati mapurisa emuSouth Africa anofanirwa kuferefeta nyaya idzi sezvo ichisungirwa kuita izvi pasi pemitemo yenyika uye mitemo yepasi rose.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvemitemo nekudyidzana nedzimwe nyika dziri kuyambira kuti izvi zvichanetsa kuita uye zvinogona kukanganisa zvakanyanya hukama hweZimbabwe neSouth Africa.

Nyaya iyi yakaendeswa kumatare nesangano reZimbabwe Exiles Forum pamwe nereSouth African Litigation Centre.

Masangano aya akaendesawo kudare hwavanoti humbowo hwakasimba hwevanhu vakatocha vanhu ava nekuvaponda.

Asi dare rakati pasaburitswe mazita kudzivirira vanhu vacho vakatochwa uye kusachenjedzawo nyamukuta kuzvara uchada nekuyambira vakapara mhosva nekuburitsa mazita avo.

Vachuchusi vemuSouth Africa nemapurisa vakapikisa mutongo uyu, izvo zvapa kuti dare reConstitutional Court ripe mutongo uyu richitambira mutongo wedare repasi..

Asi pamutongo wakapihwa neChina mapurisa ati ari kugamuchira mutongo uyu.

Asi munyori mukuru weANC, VaGwede Mantashe, vaudza Studio 7 kuti zvichanetsa kuti mapurisa emuSouth Africa atevedzere mutongo uyu nekuti zvinoita sekuti vanenge vopindira mumatongerwo eZimbabwe.

Muchuchusi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, vanoti zvaitwa nedare rekuSouth Africa hazvisi kuvashaisa hope.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJohannes Tomana

Asi mukuru weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vanotiwo mutongo uyu unofadza uye hurumende yeSouth Africa inofanirwa kuutevedzera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGabriel Shumba