VaTsvangirai Vanoti Vanhu Ngavabatane paKongiresi yeBato Ravo

  • Blessing Zulu

VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo richiri kutsvaga mari yekuita kongiresi yaro yemazuva matatu iri kutanga neChishanu muHarare.

Kongiresi iyi inonzi nevamwe ndiyo ichava gupuro pakati peMDC-T nevamwe vakati vari kuvamba chikwata chinonzi MDC-Renewal Team vachiti havasi kufara nehutungamiri hwaVaTsvangirai.

VaTsvangirai, mutevedzeri wavo, Muzvare Thokozane Khupe, sachigaro webato, VaLovemore Moyo, pamwe nemutevedzeri wasachigaro, VaMorgan Komichi, havasi kukwikwidzwa sezvo vakadomwa nematunhu ose gumi nemaviri ebato iri.

MDC inoti iri kutarisira vanhu vanodarika zviuru zvinomwe kunge vari pakongiresi iyi. VaTsvangirai vanoti vari kukwikwidza musarudzo vanofanira kubatana kwete kutukana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMorgan Tsvangiai