Zvinhu Zvakwira Mutarara muZanu PF

  • Blessing Zulu

Amai Grace Mugabe

Vakuru vebato reZanu-PF vanonzi vari kurara hope dzembwa vachironga tsoro sezvo bato iri riri kuita musangano wakakosha zvikuru wePolitiburo svondo rino.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti musangano uyu uchazeya nyaya yakasimudzwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, yekuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, vasiyiswe basa nenyaya yehuori.

Vamwe vataura neStudio7 vanoti chikwata chinonzi chiri kupikisana naAmai Mujuru chichitungamirwa negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, chiri kuda kuti Amai mMujuru vakasasiya basa vakwikwidzwe pasarudzo dzekongiresi muna Zvita naAmai Mugabe kana naMuzvare Oppah Muchinguri avo vari kusiya chigaro chekutungamira Womens League.

Nhengo yeZanu-PF, VaCephas Msipa, avo vakambova gavhuna weMidlands vanoti VaMugabe chete ndivo vanokwanisa kutaura kuti ichokwadi here nyaya dziri kupomerwa Amai Mujuru nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCephas Msipa

Nhengo yeZanu-PF inomiririra Gokwe Nembudziya mudare reparamende, VaJustice Mayor Wadyajena, vanotiwo vari kuda kuti Amai Mugabe vakwikwidze Amai Mujuru muna Zvita.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJustice Mayor Wadyajena