Amai Mugabe Vanoti "Amai Mujuru" Vachasiyiwa Pachena

  • Blessing Zulu

Grace Mugabe

Imwe nyanzvi yezvematongerwo enyika inoti mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vabuda pachena sadhiraivha wetarakita kuti havasi kutsigira kuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, vatore chigaro chemutungamiri wenyika pakongiresi ichaitwa muna Zvita.

Izvi zvinotevera mashoko Amai Mugabe avaudza vanhu muChipadze Stadium kuBindura kuMashaonaland Central kuti dunhu iri ndiwo muzinda wemunhu ari kutungamira chikwata chiri kuda kuzotora chigaro chemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kana vasiya chigaro.

Amai Mujuru ndivo mukuru mukuru chete anobva kuMashonaland Central ari mu Presidium yeZanu-PF. Amai Mugabe vatiwo dhimoni rekunetsana rakazvarwa mudunhu iri vachiti ndimo mune vechidiki vari kushandiswa kuita zvemhirizhonga.

Vachitaura vari muBindura neChina, Amai Mugabe vati munhu wemudunhu iri, uyo wavasina kudoma nezita, ane chikwata chaari kutungamira muZanu-PF anofanira kunokumbira ruregerero kuna VaMugabe nekuti akasadaro, acharasirirwa naVaMugabe sezvinoitwa vana vanenge vazvarwa vasingadiwe nevabereki vavo.

Mumashoko ari kuonekwa seasina njere mukati nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Amai Mugabe varatidza godo ravo nemunhu uyu vakati kana VaMugabe vakakundikana kubvisa munhu uyu pachigaro chake, ivo mbune nevamwe vachazviita pakongiresi yemuna Zvita.

Asi mumwe wevechidiki mudunhu iri audza vanhu kuti ari kushushikana nevamwe mubato vari kufamba vachituka vanhu vakasarudzwa.

Mashoko aya anogona kunangawo naAmai Mugabe, avo vari kutarisirwa kubatanidza vanhu, asi vachipedzisira vopatsanura vanhu nematauriro avo.

Amai Mugabe vari kupeta misangano yavo kuMashonaland East neChishanu. Hatina kukwanisa kubata Amai Mujuru kuti tinzwe divi ravo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, VaPedzisayi Ruhanya, vanoti Amai Mugabe vari kuterera makuhwa kubva kune vamwe vasiri kuda kuti Amai Mujuru vatungamire bato.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPedzisayi Ruhanya